Daily Newsletter

Kushanda nesimba kwabhadhara: Musona

Abel Ndooka

SOCCER Star of the Year – Walter Musona – anoti kushanda nesimba uye kuzvininipisa ndiko kwakamubatsira kuhwina mubairo mukuru uyu kechipiri gore rino.

Musona, uyo akatungamira chikwata cheSimba Bhora kuhwina mukombe weCastle Premier Soccer League mwaka wenhabvu uchangodarika, ndiye akahwina mubairo weSoccer Star of the Year pamabiko akaitwa svondo radarika muHarare.

Akapedza ari pamberi pevamwe vatambi vanoti Lynoth Chikuhwa weHighlanders naKhama Billiat weYadah Stars.

Muhurukuro neKwayedza, Musona anoti kushanda nesimba kwaakaita mwaka wadarika ndiko kwakamubatsira kuhwina mubairo mukuru uyu kechipiri gore rino.

“Munhu ukashanda nesimba uye wakazvininipisa unowana mubairo mune remangwana,” anodaro Musona.

Anoenderera mberi achiti, “Mwaka wadarika, takatamba nhabvu zvainwisa mvura sechikwata uye taive takabatana izvo zvakaona tichihwina mubairo wePSL uye zvakazobatsirawo kuti ndisarudzwe kuve Soccer Star of the year.”  Gore rino, Musona akatamba nhabvu inonwisa mvura kuchikwata chake cheSimba Bhora nekuchikwata chemaWarriors izvo vazhinji vave kushuvira kuona achienda kunotambira kunze                                          kwenyika.

Anoti anoshuvira kutambirawo kunze kwenyika, hunge mukana wacho ukauya asi parizvino ari kutarisira kutamba nhabvu yake muno mwaka unotevera.

“Mutambi wese wenhabvu shuviro yake kutambira kunze kwenyika uye iniwo ndodawo kuzonotambira kunze kwenyika, hunge mukana ukamuka.

“Asi parizvino hapasati pave nechikwata chamborakidza kuti chinondida saka ndiri kungofunga hangu nezvekutamba muno mwaka unotevera, tichiona kuti panogona kuzoita chikwata chingade kuzoda kunditenga,” anodaro Musona.

Musona akambohwina mubairo weSoccer Star of the Year mugore ra2022 apo aitambira FC Platinum.

Kutora kwaakaita mubairo uyu zvekare gore rino, kwabva kwamuona achiita nhorondo yekuve mumwe wevatambi vashoma vahwina mubairo uyu vachitambira zvikwata zvakasiyana.

Related Posts

MAONERO EDU: Kisimusi inoda fare-fare tindike

YASVIKA nguva iya yezororo rakareba rekupera kwegore iro rinenge rakatarisirwa neveruzhinji sezvo vakawanda vachiwana mukana wekumbozorora kuenda kumabasa pamwechete nekuwana mukana wekufara nehama neshamwari. Panguva yakadai, vamwe vanofamba nzendo dzinosanganisira…

Vanoona nyoka mumba mazuva ose

Kingstone Mapupu MHURI yekuGlen View 3, muguta Harare uye kumusha ichibva kwaSabhuku Goredema kwaMarembo, kwaChihota yogara yakabatira hana mumaoko nekuda kwenyoka dzakawanda dziri kuonekwa mazuva ose pasi pemubhedha mumba mavo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

You Missed

EDITORIAL COMMENT: New Era dawns for Premier Soccer League

EDITORIAL COMMENT: New Era dawns for Premier Soccer League

Unity Accord lives on: As Second Republic takes steps to address Gukurahundi

Unity Accord lives on: As Second Republic takes steps to address Gukurahundi

Identity: Unpacking the drought motif in Zim literature

Identity: Unpacking the drought motif in Zim literature

Office dynamics can be complex

Office dynamics can be complex

The symphony of unity

The symphony of unity

Being an adult and on holiday with others

Being an adult and on holiday with others
Translate »