Daily Newsletter

Jongwe oshuvira kukwikwidza kuBoston Marathon

Abel Ndooka

SHANGWITI yemujaho wewiricheya – Stellah Jongwe – anoti anoshuvira kunokwikwidza kuBoston Marathon gore rinotevera kunyika yeUnited States of America.

Boston Marathon imwe yemijaho mikuru inoitwa pasi rose uyo unoona shangwiti dzinobva kunyika dzakasiyana dzichikwikwidza.

Jongwe, uyo ari kusimukira zvikuru mumujaho wemarathon wewiricheya, anoti anoshuvirawo kuenda kunokwikwidza kumujaho uyu uye ozombogara kuAmerica achiita zvidzidzo zvake zvakasiyana zvechikoro.

“Gore rinotevera, shuviro yangu kuendawo kunokwikwidza kumujaho mukuru pasi rino weBoston Marathon uyo unoitirwa kunyika yeUnited States of America.

“Mujaho uyu unokwikwidzwa neshasha dzakawanda dzinobva kunyika dzakasiyana naizvozvo ndinoda kukwikwidzawo.

“Ini ndinoda kuenda kunosimudza mureza wenyika yangu ndichinohwinawo kumujaho uyu,” anodaro Jongwe.

Kana akabudirira kuenda kumujaho uyu, Jongwe anoti anoda kubva agara kunyika yeAmerica kuti amboenda kuchikoro achiita zvidzidzo zvakasiyana

“Ini ndichiri kuda kuenderera mberi zvekare nechikoro

saka ndikaenda kuAmerica kuBoston Marathon, ndinoda kubva ndanotora mukana wekuenderera mberi nezvidzidzo zvangu zvakasiyana zvechikoro,” anodaro.

Anoti iye nechikwata chake vari kutsvaga rubatsiro rwekuti aende kuUSA.

“Gadziro dzekuenda kumujaho uyu ndiri kudziita asi chandiri kutsvaga kunyanya iye zvino vakotsveri vanokwanisa kundibatsira kuti rwendo rwangu rubudirire,” anodaro Jongwe.

Jongwe kubva zvaakatanga kukwikwidza mumujaho wemarathon, akwanisa kuhwina mibairo yakawanda inosanganisira Tanganda Half Marathon, Econet Victoria Falls Marathon neSunshine City Marathon.

Related Posts

MAONERO EDU: Kisimusi inoda fare-fare tindike

YASVIKA nguva iya yezororo rakareba rekupera kwegore iro rinenge rakatarisirwa neveruzhinji sezvo vakawanda vachiwana mukana wekumbozorora kuenda kumabasa pamwechete nekuwana mukana wekufara nehama neshamwari. Panguva yakadai, vamwe vanofamba nzendo dzinosanganisira…

Vanoona nyoka mumba mazuva ose

Kingstone Mapupu MHURI yekuGlen View 3, muguta Harare uye kumusha ichibva kwaSabhuku Goredema kwaMarembo, kwaChihota yogara yakabatira hana mumaoko nekuda kwenyoka dzakawanda dziri kuonekwa mazuva ose pasi pemubhedha mumba mavo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

You Missed

Historic milestone for Land Reform! . . . Beneficiaries get title deeds

Historic milestone for Land Reform! . . . Beneficiaries get title deeds

Historic milestone for Land Reform! . . . Stakeholders hail programme as a game-changer

Historic milestone for Land Reform! . . . Stakeholders hail programme as a game-changer

Mutamba appointed Police chief

Mutamba appointed Police chief

Zim strengthens diplomatic ties with Algeria, Palestine, UNICEF

Zim strengthens diplomatic ties with Algeria, Palestine, UNICEF

Russian Ambassador visits Dr Auxillia Mnangagwa Children’s Home

Russian Ambassador visits Dr Auxillia Mnangagwa Children’s Home

SADC to set aside Regional Development Fund

SADC to set aside Regional Development Fund
Translate »