Munyori weKwayedza
HURUMENDE inoti ine chibage nezvimwe zvirimwa mudura reStrategic Grain Reserve zvinokwanirana izvo zvichawanisa nyika chikafu kusvika pagoho rinotevera.
Mutungamiriri wenyika, President Mnangagwa, vanogara vachitaura kuti hapana munhu kana nzvimbo inofanirwa kushaya chikafu.
Hurumende iri kutora matanho akasimba ekudzivirira kushomeka kwechikafu nekuona kuti mhuri dzinotambura dzawaniswa chikafu kusvikira pagoho rinotevera.
Mumwaka wekurima wa2023-2024, Zimbabwe pamwechete nedzimwe nyika dziri mudunhu reSouthern Africa, dzakasangana nedambudziko rekusanaya kwemvura zvichikonzerwa neEl Nino izvo zvakaona zvirimwa zvakawanda zvichioma.
Vachitaura kuvatori venhau mushure mekupera kwemusangano wedare reCabinet nemusi wechipiri chino, gurukota rezvekuburitswa kwemashoko nenyaya dzenhepfenyuro, Dr Jenfan Muswere, vanoti makurukota akatambira gwaro riri pamusoro pemamiriro echikafu munyika kusvika munaKurume gore rinouya uye hurongwa kwekurima mumwaka wezhizha wa2024/2025 iro rakaturwa negurukota rezveminda, kurima, hove, mvura nekusimudzirwa kwemaruwa, Dr Anxious Masuka.
Dr Muswere vanoti parizvino dura reStrategic Grain Reserve — iro rinosanganisira gorosi, chibage nezvimwe zvirimwa zvakadai semhunga — zvinosvika matani 245 052.
“Huwandu hwechikafu chinogona kudiwa kuburikidza nechirongwa cheFood Deficit Mitigation Programme, Zunde RaMambo necheSchool Feeding Programme kubva munaZvita 2024 kusvika munaKurume 2025 matani 241 089.
“Makambani nemamwe mapoka akazvimirira acharamba achiunza kubva kunze zvine chekuita nemabhizimisi nechikafu chezvipfuyo.
“Goho rine nhoroondo rematani 563 961 egorosi rakohwewa kusvika parizvino, richidarika matani 465 548 akawanikwa muna2023. Panyaya yechikafu chezvipfuyo, marori kubva kuGrain Marketing Board (GMB) akaendesa matani 9 665, vanodaro,” said Dr Muswere.
Vachitaura nekumira kwamboita mvura kunaya kubvira masvondo adarika, Dr Muswere vanoti varimi vanofanirwa kutevedza zvinotaurwa nevarimisi veAGRITEX vari kumatunhu avo.
Maonero akapihwa nguva yadarika nebazi rezvemamiriro ekunze reMeteorological Services Department (MSD) ekuti mvura mwaka uno inotarisirwa kunaya zvakanaka ndiwo achiri kutarisirwa.