Arron Nyamayaro
MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ari kuyambira vanhu vane katsika kakaipa kekuba zvinhu panzvimbo dzinenge dzaitika tsaona mumigwagwa kuti vasiyane zvachose nemaitiro aya.
Muchinyorwa, mutauriri wemapurisa munyika, Commissioner Paul Nyathi, vanoti imhosva huru kuti munhu atore mukana wetsaona inenge yaitika mumugwagwa kuti abe zvinhu zvakasiyana-siyana mudzimotokari dzinosanganisira magonyeti.
Izvi zvinotevera kubiwa kwakaitwa zvinhu zvakawanda apo rimwe gonyeti rakaita tsaona nebhazi reInter Africa mumugwagwa Harare/Bulawayo zvikazoona vamwe vanhu vemunharaunda iyi vachitora mukana wekuba zvinhu zvaive mugonyeti iri nemusi weSvondo wadarika.
“ZRP inotsinhira tsaona yakauraya vanhu nemusi weSvondo nenguva dza0330 hours pa330 kilometre peg mumugwagwa Harare-Bulawayo.
“Vanhu vanonwe vakafa apo bhazi reInter Africa rakanobondera pagonyeti raive rakamira.
“Huwandu hwevanhu vakakuvara huchiri kuongororwa,” vanodaro Comm Nyathi.