Daily Newsletter

‘ZIFA inoda mutungamiriri ane chido nenhabvu’

Abel Ndooka

VATSIGIRI venhabvu vanoti mutungamiriri mutsva wesangano reZimbabwe Football Association (ZIFA), uyo achasarudzwa munguva pfupi inotevera, anofanirwa kuva munhu ane rudo nemutambo uyu uye achashanda nesimba kusimudzira nhabvu.

Zvichitevera kuburitswa kwakaitwa mazita enhengo dzine magwaro akagamuchirwa kuti vazokwikwidza zvinzvimbo zvakasiyana mubhodhi reZIFA, nyika yese yakamirira kuona kuti ndevapi vachasarudzwa kuti vazotungamira sangano iri.

Sarudzo dzekutsvaga vatungamiri vatsva veZIFA dzichaitwa mwedzi uno uye nhengo dzinosanganisira Martin Kweza, Nqobile Magwizi, Twine Phiri, Makwinje Phiri, Philemon Machana naMarshall Gore ndivo vari kukwikwidza kuti vagopinda pachigaro chinopisa ichi.

 Muhurukuro svondo rino, akafanobata chigaro chemutungamiri wevatsigiri venhabvu munyika – Adomsi Mukwasi – anoti shuviro yavo kuona pachisarudzwa munhu akazvipira kusimudzira mutambo uyu.

“Isu sevatsigiri venhabvu tiri kutaura neizwi rimwechete rekuti tinoda kuona vanhu vachasarudzwa kuzopinda mubhodhi idzva reZIFA vachishanda kusimudzira nhabvu yedu uye vagobatanidza nyika yese tifambe pamwechete munyaya dzenhabvu.

“Patange tasvika iye zvino pange pasina kumira zvakanaka nekuda kwekudhonzerana uye kurwisana. Saka zvinhu zvakaita seizvozvo hatichadi kuzviona zvekare. Tinoda kuti tifambe pamwechete nekuti ndiyo yega nzira iyo ichabatsira kuti nhabvu yedu iyende mberi,” anodaro Mukwasi.

Anoenderera achiti sevatsigiri venhabvu, vakazvipira uye vakasununguka kushanda nebhodhi idzva reZIFA richasarudzwa asi hunge kana richiremekedza vatsigiri vemutambo uyu.

“Isuwo sevatsigiri tinoda chaizvo kuti izwi redu rinzwikwe, zvatinotaurawo zvikosheswe.

“Hatina zvatinoda kunze kwekuona zvikwata zvedu kubva kune chenyika chemaWarriors nezvimwe zvakasiyana zvichibudirira.

“Saka panenge pachirongwa zvakasiyana tinofanirwa kushevedzwa sevatsigiri toronga pamwechete izwi redu rinonzwikwawo.

“Chinhu chikuru chatiri kungoda nekushuvira kuona nhabvu yedu ichibudirira ichifamba mune zvakanaka chete,” anodaro Mukwasi.

Sarudzo dzekutsva hutungamiri hutsva hweZIFA uye nebhodhi racho dzichaitwa musi wa25 Ndira.

Related Posts

Mufudzi wemombe akaitwa kafiramberi nekuda kwenharembozha  

Kingstone Mapupu MUKOMANA aiita basa rekufudza mombe pane mumwe musha kwaSabhuku Kosvoro kudunhu raMambo Masunda, kuZvishavane akarohwa zvekuitwa kafiramberi nemwana wemushandirwi wake achipomerwa kuti aive amubira nharembozha yake. Mutauriri wemapurisa…

Apondera mudzimai mapiritsi ekuronga mhuri

Munyori weKwayedza MURUME ane makore 29 okuberekwa akamiswa mudare reChipinge Magistrates Court achipomerwa mhosva yekuponda mudzimai wake nekuda kwekuti ainwa mapiritsi ekuronga mhuri pasina mvumo yake. Felix Maphosa wekuChipinge anonzi…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

You Missed

Chombo awards scholarship to a bright female student

Chombo awards scholarship to a bright female student

SAPS dismiss ritual murder claims by foreigners in Limpopo province

SAPS dismiss ritual murder claims by foreigners in Limpopo province

Prosecutor-General commends Commissioner General Mutamba’s appointment as Police chief

Prosecutor-General commends Commissioner General Mutamba’s appointment as Police chief

CCC faction suspends Tshabangu

CCC faction suspends Tshabangu

Stop arm-twisting parents, Govt warns schools

Stop arm-twisting parents, Govt warns schools

Defer polls to 2030 for continued development: CCC

Defer polls to 2030 for continued development: CCC
Translate »