Daily Newsletter

Vaviri mutirongo vacheka murume rurimi

Liberty Dube

VARUME vaviri — Forget Mutepfa (35) naGreater Mateta (29) — parizvino vari muhusungwa vachimirira kutongwa vachipomerwa mhosva yekurova nekucheka rurimi rwaHonest Tokodo (31) wekuBurma Valley munaMbudzi gore radarika.

Vasungwa ava vanonzi vakabata Tokodo ndokucheka rurimi rwake uye vakazotiza nechidimbu charwo izvo zvinofungidzirwa kuti zvine chekuita nemabasa ehurombwa.

Mutepfa naMateta vakapedza zororo rese reKisimusi vari muhusungwa.

Munguva pfupi yadarika, vakamiswa pamberi pemutongi wedare reMutare Magistrates Court, VaXavier Chipato, vachipomerwa mhosva yekurova sezvinotsanangurwa muchikamu cheSection 89 (1) (a) chemutemo weCriminal Law (Codification and Reform) Act, Chapter 9:23.

Vaviri ava vakanzi vadzoke kudare munguva pfupi iri kutevera.

Tokodo akapona nepaburi retsono mushure mekurwiswa zvakaipisisa nevanhu vana (4), vaviri vacho vasingazivikanwe.

Vasungwa ava vaipomera Tokodo mhosva yekudanana neaimbove shamwarikadzi yemumwe wavo.

Tokodo akange ambotandara nevasungwa ava  paChitakatira Business Centre apo vakazomubatirana mushure meawa rimwechete ndokumucheka rurimi.

Chinoshamisa ndechekuti vasungwa ava havana kuba zvinhu zvaTokodo, kusanganisira nharembozha yaakanga akabata.

Dare rakanzwa kuti nomusi wa20 Mbudzi 2024 nenguva dza10 manheru, vasungwa vaviri ava, vachiperekedzwa nevamwe vavo vaviri kupomerwa mhosva, vakatevera Tokodo paakabva paChitakatira Business Centre.

Mutepfa akapomera Tokodo mhosva yekudanana neaimbove shamwarikadzi yaMateta.

Mutepfa akazobata maoko aTokodo apo mumwe wavo akashandisa chinhu chisina kuzivikanwa kumucheka rurimi.

Tokodo akachekwa rurimi zvakaipisisa zvakaita kuti azomhanyiswa kuVictoria Chitepo Provincial Hospital.

Zvichakadaro, Tokodo akatsanangura nhoroondo yekukuvara kwake pamwe nekupora svondo rino.

Akatenda varapi nemhuri yake yese yakamubatsira panguva yakaoma kudai.

“Ndiri kupora nokukurumidza uye ndiri kufambira mberi zvakatsiga zuva nezuva. Mushonga wacho wave kushanda uye ndiri kunzwa zviri nani nekufamba kwenguva. Ndinotenda rutsigiro kubva kuchikwata chevarapi, mhuri neshamwari, avo vakabatsira zvakanyanya mukupora kwangu,” anodaro.

Kunyange zvazvo Tokodo asati anyatsopora, ava kukwanisa kutaura zvakanaka.

Zvisinei, anoramba achinetseka pamusoro pekukwanisa kushandisa rurimi rwake.

“Ndinotarisira kushandisa zvakare rurimi rwangu, asi handizivi kuti zvichaitika rinhi uye kana zvichizoitika. Chishuwo chemwoyo wangu kuti zvidzokere pekare,” anodaro Kokota.

Related Posts

‘Border jumper’ aba imbwa kuBotswana 

Gibson Mhaka TINOWANZONZWA pamusoro pezvevamwe vanhu vanopoya miganhu yenyika vachienda kunze kunotsvaga zvekurarama nazvo, asi Givers Ncube (26) wemubhuku raSilombe kunzvimbo yeIngwizi kuMphoengs, kudunhu reMatabeleland South, akaita zvine musiyano sezvo…

‘Museum yakakosha pakuchengetedza nhoroondo’

Munyori weKwayedza NZVIMBO yeMuseum of African Liberation inopa mukana kune vatori venhau kuti vaone kukosha kwenhoroondo yekuzvipira kwakaita vanhu vatema kurwisa hutongi hwevachena, vanodaro gurukota rezvekuburitswa kwemashoko nenyaya dzenhepfenyuro, Dr…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

You Missed

President dares opposition MPs . . . ‘Actively scrutinise, hold Zanu PF legislators to account’

President dares opposition MPs  . . .  ‘Actively scrutinise, hold Zanu PF legislators to account’

Lawmakers endorse extended Presidential term

Lawmakers endorse extended Presidential term

Preps for schools opening at 100pc: Govt

Preps for schools opening at 100pc: Govt

JSC in historic calendar opening

JSC in historic calendar opening

Cuba to hand over artefacts to liberation museum

Cuba to hand over artefacts to liberation museum

‘Slothful public officers threaten Vision 2030’

‘Slothful public officers threaten Vision 2030’
Translate »