Daily Newsletter

PAZ yoshungurudzika netsaona dzemumigwagwa

Muchaneta Chimuka

SANGANO rePassenger Association of Zimbabwe (PAZ) rinoti riri kushungurudzika zvikuru nekuwanda kuri kuita tsaona dzemumigwagwa idzo zhinji dzacho dziri kukonzerwa nevatyairi vasina hanya yekutevedzera mitemo yemumigwagwa.

VaTafadzwa Goaliath vanova mutungamiriri wesangano iri vanoti zvinorwadza kuona vanhu vachirasikirwa nehupenyu nekuda kwetsaona dzinokwanisa kudzivirirwa.

Vanoti kune mamwe mahwindi emabhazi nemakombi vari kutyaira vasina zvitambi inove mhosva huru.

“Kune tsaona dzakawanda dzekutsikwa kwevanhu kana kupidiguka kwezvifambiso apo zvinenge zvichityairwa nevanhu vasina marezinesi. Imhosva huru kutyaira wakadhakwa uye usina magwaro anoenderana nechifambiso chauri kutyaira,” vanodaro.

“Mitemo yemumigwagwa kunyangwe ikawanda zvakadii chakakosha kutevedzwa kwayo nemazvo. Takatambira nyaya dzakawanda dzinorwadza dzevamwe vatyairi vemabhazi nemakombi vasina hunhu zvekusvika pakudzikisa vafambi vasati vasvika panzvimbo dzavanoenda uye vachikwidzirwa mari yezvifambiso vatova mukati mebhazi asi panodaidzirwa mari inenge yakaderera. Kwese uku kushaya gwara nekumbunyikidza kodzero yevafambi.”

VaGoaliath vanoti sePAZ, vanofara kuti vakabudirira kuzadzikisa chikamu chemutemo cheSI 118 of 2023 icho chiripo pakuchengetedza hupenyu hwevafambi.

“Tinopa kutenda kukuru kumapurisa eZimbabwe Republic Police (ZRP) uye veVehicle Inspection Department (VID) nekuramba vachizadzikisa zvido zvevafambi apo vari kuramba vachisunga vatyairi vasina zvitambi mumigwagwa, kusanganisira motokari dzisingakodzeri kuti dzinge dziri pamigwagwa,” vanodaro.

VaGoliath vanoyambirawo vatyairi kuti vasiyane nekatsika kekuedza kuyambuka nzizi dzakazara.

“Munguva pfupi yadarika, tine nyaya yemwana akashaika mutsaona yebhazi iyo yakaitika murwizi Mletshane kuGwanda District. Tsaona dzakadai dzinokwanisa kudzivirirwa nekungoregedza kuyambuka rwizi kana rwakazara,” vanodaro.

“Zvimwe zvinhu zvatinoshora vatyairi vaya vanoti kana vaita tsaona vanotiza uye vorega kumhan’ara kumapurisa inove mhosva zvekare.”

Related Posts

‘Museum yakakosha pakuchengetedza nhoroondo’

Munyori weKwayedza NZVIMBO yeMuseum of African Liberation inopa mukana kune vatori venhau kuti vaone kukosha kwenhoroondo yekuzvipira kwakaita vanhu vatema kurwisa hutongi hwevachena, vanodaro gurukota rezvekuburitswa kwemashoko nenyaya dzenhepfenyuro, Dr…

‘Nhabvu yemadzimai ngaisimudzirwe’

Abel Ndooka JOYCE Kapota mumwe wemadzimai vari kukukwidza kupinda pachigaro chemutevedzeri wemutungamiriri wesangano reZIFA anoti hutungamiriri hutsva huchasarudzwa musarudzo dziri kutevera hunofanira kukoshesa kusimudzira nhabvu yemadzimai nekuvawanisa mikana yakaenzana nevanhurume.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

You Missed

New operational vehicles to ensure smooth schools opening

New operational vehicles to ensure smooth schools opening

ZRP clarifies ongoing operation against lawlessness on roads

ZRP clarifies ongoing operation against lawlessness on roads

Jimayi Muduvuri’s generosity brings festive cheer to people with disabilities

Jimayi Muduvuri’s generosity brings festive cheer to people with disabilities

Sweet beginnings: The origins and evolution of cookies

Sweet beginnings: The origins and evolution of cookies

Zarah Esat unveils ambitious 2025 expansion plans

Zarah Esat unveils ambitious 2025 expansion plans

Miss & Mr Rural Zimbabwe search shifts to Matebeleland North

Miss & Mr Rural Zimbabwe search shifts to Matebeleland North
Translate »