Daily Newsletter

Pane nyaya: Raza

Abel Ndooka

KAPUTENI wemaChevrons – Sikandar Raza – anoti chikwata chavo chinofanira kugadzirisa zvakawanda kuti chihwine mitambo yacho apo chiri kutamba necheAfghanistan.

MaChevrons neAfghanistan zviri kubandana mumitambo misere inoti mitatu yeTwenty20 International Series, mitatu yeOne Day International nemiviri yeTest Match Series.

Mitambo yezvikwata zviviri izvi yakatanga svondo rino apo yeT20 neODI iri kutambirwa kuHarare Sports Club, muHarare kuchiti yeTest Match Series yese ichitambirwa kuQueens Sports Club, kuBulawayo.

Achitaura svondo rino, Raza anoti chikwata chavo chinofanirwa kutosunga dzisimbe apo chiri kusangana necheAfghanistan.

“Zvakakosha kuti tishande nesimba tigadzirise zvakawanda patiri kusangana neAfghanistan nekuti hatidi kurasa mutambo uyu sezvata iita mimwe mitambo yekumashure apo takasangana nezvikwata zvakasiyana.

“Tine mimwe mitambo yatakatamba iyo taifanira kuhwina asi taizotadza kunyatsorova chematsenganzungu chekuti tihwine mitambo iyoyo. Saka Afghanistan yauya panguva yakanaka yekuti tine mukana wekuhwina mutambo uyu kana tikashanda nesimba,” anodaro Raza.

Achitaura pamusoro pevamwe vatambi vatsva avo vanogona kuzotambira maChevrons mune remangwana, Raza anokurudzira vatambi vese kuti vazvininipise sezvo iroyo yega nzira ichavasvitsa kure mumutambo uyu.

“Tine vatambi vakawanda vari kuuya vekuti mumwedzi unotevera vachange vave kutambira nyika yavo saka isu tinotozvikoshesa izvozvo tichiti kana paine vamwe vane pfungwa dzinogona kubatsira kusimukira kwemutambo uyu, tinovagamuchira kuchikwata chedu” anodaro Raza

Related Posts

MAONERO EDU: Kisimusi inoda fare-fare tindike

YASVIKA nguva iya yezororo rakareba rekupera kwegore iro rinenge rakatarisirwa neveruzhinji sezvo vakawanda vachiwana mukana wekumbozorora kuenda kumabasa pamwechete nekuwana mukana wekufara nehama neshamwari. Panguva yakadai, vamwe vanofamba nzendo dzinosanganisira…

Vanoona nyoka mumba mazuva ose

Kingstone Mapupu MHURI yekuGlen View 3, muguta Harare uye kumusha ichibva kwaSabhuku Goredema kwaMarembo, kwaChihota yogara yakabatira hana mumaoko nekuda kwenyoka dzakawanda dziri kuonekwa mazuva ose pasi pemubhedha mumba mavo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

You Missed

Historic milestone for Land Reform! . . . Beneficiaries get title deeds

Historic milestone for Land Reform! . . . Beneficiaries get title deeds

Historic milestone for Land Reform! . . . Stakeholders hail programme as a game-changer

Historic milestone for Land Reform! . . . Stakeholders hail programme as a game-changer

Mutamba appointed Police chief

Mutamba appointed Police chief

Zim strengthens diplomatic ties with Algeria, Palestine, UNICEF

Zim strengthens diplomatic ties with Algeria, Palestine, UNICEF

Russian Ambassador visits Dr Auxillia Mnangagwa Children’s Home

Russian Ambassador visits Dr Auxillia Mnangagwa Children’s Home

SADC to set aside Regional Development Fund

SADC to set aside Regional Development Fund
Translate »