Kingstone Mapupu
MUDZIMAI anogara mumusha weSouth View Park kuFidelity, muguta reHarare – kumusha achibva kwaSabhuku Mupinga kwaChiwara kwaGutu, kuMasvingo – anoti aona nhamo nekushinhwa naye nenyoka izvo zvaive kuita kuti afunge kuzviuraya.
Mai Kumbirayi Chiwara (43) vanoti dambudziko iri rakatanga mugore ra2000 panguva iyo vakanga vava kuda kunoroorwa asi danho iri rikasatambirwa nemhuri yavo pachipihwa chikonzero chekuti mukomana aida kuvaroora aisakodzerana navo.
“Ndaona nhamo nekumonerwa nenyoka muchiuno iyo inondiitawo mudzimai zvandinotonzwa kuti ndiri kushinhwa neni. Nyoka iyi ndinotonzwa kana yauya inondinanzva nekundimonera ndichinzwa kutonhora, panzvimbo painenge yakatandika napo panomera tumhezi nguva iyoyo nekusvuuka. Inozodzika kunzvimbo dzakavandika yotanga kushinha neni, inopinda munyama mangu nekumakumbo ndichitonzwa yotanga kundiruma mukati menyama. Ndatambura ini veduwe,” vanodaro Mai Chiwara.
Mudzimai uyu anoti amai vekumubereka vakarambana nababa vake vakazoroora mumwe mudzima.
Baba vacho vanogara kumusha kwaGutu uyewo nekuimba yavo yekuKwekwe kuMidlands.
“Mugore ra2000, ndakada kuroorwa nemukomana wandaidanana naye asi vemhuri yangu vakaramba mukomana uyu vachiti aisakodzerana neni. Kubva ipapo zvinhu zvangu hazvina kuzomira zvakanaka, ndakabva ndatanga dambudziko rekumonerwa nenyoka iri ichindiita mudzimai nekundinanzva. Vabereki ndakavazivisa asi hapana danho ravakatora. Ndakazodanana nevamwe varume vanokwana vatatu ndichipinda mumba asi ndichingorambwa nekuda kwedambudziko iri,” vanodaro Mai Chiwara.
Vanoti varume vavanodanana navo vanotiza mumba nekuda kwenyoka iyi sezvo vachiiona kana vava kuda kusasana.
“Ndakasiyana nevarume vatatu vandakagara navo mumba vachitiza nyoka iyi. Panguva yedu nevarume ava muimba yedu yekurara, vaigumisira vava kuona nyoka iyi yachinjika pakati pangu navo ichiita shanje dzerudo nevarume ava. Saka vose vakapera kutiza, izvozvi handina kana murume wandinodanana naye, anongouya chete achidanana neni anotanga kurota nyoka iyi ogumisira ava kuiona mumagumbeze medu uye nekutya vanobva vatiza, ndinosemwa nevarume,” vanodaro Mai Chiwara.
Mudzimai uyu anoti vakaberekwa vari vaviri nemunin’ina wake uyowo akafirwa nemurume zvisina tsarukano.
Mai Chiwara vanoti nyoka iyi vanotanga kuinzwa ichifamba vozoguma vachiiona nemaziso avo uye ihombe asi havazive rudzi rwayo.
“Chiratidzo chikuru chekuti nyoka iyi yauya ndinotanga kuvaviwa muviri wangu wose nekukwenya. Ipapo inobva yatanga kubudikira yondimonera muchiuno nekundisunga makumbo yondinanzva nekushinha neni,” vanodaro Mai Chiwara.
Nekuda kwedambudziko iri, mudzimai uyu anoti anobuda maduzu muviri wese ayo anobuda mvura nekudonhawo mukaka mumazamu ake iye asingayamwise.
“Ndaneta nekufamba kwakasiyana kumaporofita nekudzin’anga zvichingonzi nyoka iyi ine chekuita nehama dzangu dzepadyo. Zvinonzi ndiri mudzimai wezvikwambo handifanirwe kuroorwa. Baba vangu vari kugara kuKwekwe nemudzimai wavo mudiki uko kunogara vana vangu vaviri. Baba ndakavataurira nyaya iyi yekuti ndinoitwa mudzimai nenyoka ichindinanzva vakazoguma vava kunditi ndakavananga huroyi saka kwekunobatsirwa chaiko handina,” vanodaro Mai Chiwara.
Vanoti nekuda kwenyaya iyi mhuri yose, kusanganisira tete vavo hanzvadzi yababa, vava kuvapa mhosva yekuti vakapinda mubhedhuru mababa vavo.
“Izvozvi nekuda kwenyaya iyi handina wandinofambidzana naye vehukama. Ndakakurira kumusha kwamai ndichichengetwa naambuya avo vanodawo kuripwa kupihwa mombe yavo yechiredzwa iyo ndisina. Ndiri kutamba hunherera baba naamai vangu vari vapenyu. Ndinonziwo kuwora kwandinoita mazino kusvipirwa nenyoka iyi mukanwa,” vanodaro Mai Chiwara.
Vanoti vari kuperezeka muviri nekuda kwekunzi vanoyamwiwa ropa nenyoka iyi.
“Ndinofunga zvangu kuzviuraya nekuda kwedambudziko iri. Ndikavaviwa, ndinozora parafini kuti zvipore uyewo nyoka iyi inondiruma pasi petsoka. Ndinomboenda kuchipatara kuti matuzu aya apere ndichipihwa mimwe mishonga yekuzora nekubaiwa majekiseni asi hapana chinofamba. Ndakambofungirwa nemachiremba kuti ndine njovhera asi zvikashaikwa,” vanodaro Mai Chiwara.
Mbuya Raramai Muchemi (73) vanovawo amai vaMai Chiwara vanoti dambudziko remwana wavo vanoriziva uye anofanirwa kuenda kunababa vake kunobatsirwa.
“Ndakamuti azvinamatire kana kuenda kuna baba vake kunobatsirwa. Ini handina zvandingazviite, handina mari yekunomuona kuHarare ikoko. Ngaaende kuna baba vake, ndakagumisira kumuona kare. Ini ndinototamburawo zvangu kuno kwakare kwaChiwara kwaGutu,” vanodaro Mbuya Muchemi.
VaThomas Chiwara vanova baba vaMai Chiwara vanoti mwana wavo anonetsa zvakanyanya uye anozvitsvagira woga matambudziko.
“Vana vanonetsa, saiyeyu ndiye mukuru mumba mangu hakuna munhu waasingatukane naye mudzinza medu. Akasiya mwana wake aine makore 4 okuberekwa uyo anochengetwa nemudzimai wangu mudiki vasiri amai vake,” vanodaro VaChiwara.
Vanoenderera mberi vachiti: “Akatizwa nemurume waaigara naye kuHarare nekuda kwekumurova uko aimuita. Izvozvi mwana wake kuno ava kuita Form 4, anoda birth certificate, ndakamutumira meseji asi haana kudavira kusvika nanhasi. Hakuna munhu anoda kubatana naye kumhuri yedu yose, munin’ina wake chaiye haataure naye. Mwana wangu kana aona zvamunetsa ngaauye ataure neni sababa vake.”
VaChiwara vanoti vane mameseji nema’audios’ ekutukwa kwavo nemwanasikana wavo uyu.
Pastor Hazvinei Muchefa vechechi yeRECFEMI Ministries yemuHarare vanori mudzimai uyu anofanirwa kudzikinurwa mashavi akaiswa paari enyoka.
VaGift Muzanenhamo kana kuti Sekuru Tasvu vemuHarare zvekare vanoti Mai Chiwara vanoda kubatsirwa nekukasika nekuti zvikasadaro nyoka iyi inogona kuvauraya.