Kingstone Mapupu
MUKOMANA ane makore 18 okuberekwa wekuMwenezi kuMasvingo, uyo ari kupomerwa kuuraya mumwe murume nekumubaya nepfumo mushure mekunge iye nevamwe vake vatatu vabatikidzwa vachiba chibage muminda yemadiridziro kuTriangle kuChiredzi, asungwa.
Mutauriri wemapurisa kuMasvingo, Inspector Kudakwashe Dhewa, vanoti Anotidaishe Mutero wemumusha waSabhuku Chipato kudunhu raMambo Chitanga, kuMwenezi akasungwa uye ari kupomerwa mhosva yekuponda pasi pechikamu cheSection 47 chemutemo weCriminal Law (Codification and reform) Act Chapter 9.23.
Vanoti Mutero anonzi akapara mhosva iyi nguva pfupi yadarika kuSection 28 kuTriangle apo iye nevamwe vake vatatu, avo vasati vabatwa, vakawanikwa vachiba chibage chinyoro muminda yekudiridzira.
“Nemusi wa4 Ndira gore rino, mapurisa akazosunga Anotidaishe Mutero vamwe vake vachibva vatiza,” vanodaro Insp Dhewa.
Vanoti nemusi wa25 Mbudzi nenguva dza8:45 usiku, Mavesere akaenda kunodiridzira chibage chake kuminda yekuSection 18 aina sahwira wake.
“Vachifamba muchibage umu, sahwira wake akaenda kune rimwe divi akazoerekana ava kuona varume vana (4) nemurima avo vaiba chibage mubindu raiva padyo nerake. Vaviri vavo vaiva vakapakata mapfumo uyewo vose vari vana vakabereka masaga kumusana aiva nechibage chekuba,” vanodaro Insp Dhewa.
Vanoti sahwira wemurume uyu akazoshevedzera kuna Mavesere nevamwe vanhu venharaunda kuti kune vaiba chibage.
“Varume ava vakatiza vakananga nedivi raiva naEdmore Mavesere uyo vakanga vasina kuona uye apo vakaona kuti mumwe wavo akanga ava kuda kubatwa naMavesere, mumwe wavo akabva abaya Mavesere nepfumo kudivi rekuruboshwe pachipfuva iro rakanyura achibva aridzura ndokutiza naro nemurima nevamwe vake,” vanodaro Insp Dhewa.
Vanoti Mavesere akasara achibuda ropa zvakanyanya ndokuzobatsirwa nasahwira wake nevamwewo vanhu kuendeswa kuchipatara cheCollin Saunders Hospital, kuTriangle.
“Mavesere akaramba achirwara zvikuru nekuda kwemaronda ekubaiwa nepfumo aya akazoshaika nemusi wa9 Zvita,” vanodaro Insp Dhewa.
Kune vanoda kubatsira mapurisa nemashoko anokwanisa kuita kuti vamwe vatatu vari kupomerwa kuponda Mavesere vasungwe, vanogona kuridza nhare panhamba dzinoti 263392264421 kana WhatsApp 0775 996 945.