Munyori weKwayedza
NZVIMBO yeMuseum of African Liberation inopa mukana kune vatori venhau kuti vaone kukosha kwenhoroondo yekuzvipira kwakaita vanhu vatema kurwisa hutongi hwevachena, vanodaro gurukota rezvekuburitswa kwemashoko nenyaya dzenhepfenyuro, Dr Jenfan Muswere.
Vakataura mashoko aya nemusi weChipiri chino apo vatori venhau kubva kumapoka akasiyana vaimema nzvimbo iyi.
“Ndinotenda kuti uyu mukana wekuti mukwanise kuziva nhaka nenhoroondo yedu nekuti nhoroondo yedu yakawanda inobva kumufungo wevanhu venyika dzekumadokero.
“Asi museum ino, inzvimbo yenhaka yedu apo nyika dziri mudunhu (reAfrica) dzine mukana wekupa midziyo yenhoroondo yakokosha, kuburikidza nenhoroondo uye nezvimwe zvine chekuita nenhoroondo zvakaitika,” vanodaro.
Dr Muswere vanoti museum iyi ine nhoroondo yeAfrica, kubva pamazuva ekutanga-tanga ekurwisa hutongi hwevadzvanyiriri.
“Saka ndinotenda kuti uyu mukana wekuti mukwanise kugoverana zvakaitika muchikamu chenhaka yenyu, nhaka inosanganisira zvose, makore 600 ehunhapwa, makore anodarika 100 ehutongi hwevachena uye nekuzobatana kwakaita zvizvarwa zvemuAfrica mukurwisa kubva pasi pejoko rehuranda revadzvanyiriri,” vanodaro Dr Muswere.
Vanoti kushanya panzvimbo iyi kunopa zvekare vatori venhau mukana wekuti vazive kukosha kwechirongwa cheHurumende chekugovera ivhu kune veruzhinji uye kuti nyaya huru yakaita kuti hondo yeChimurenga irwiwe yaive yekuti vanhu vatema vawane masimba munyaya dzezvehupfumi.
“Yaive nyaya yekusunungurwa mune zvehupfumi, kuzvitonga kuzere nekuwana rusununguko urwo rwamave narwo nhasi muSecond Republic,” vanodaro Dr Muswere.
Ambassador Kwame Muzawazi avo vanove chamangwiza weInstitute of African Knowledge vanoti kuvakwa kwemuseum iyi kuri kufambira mberi zvakanaka.
“Basa rekuvaka riri kufamba zvakanaka chose uye tinotenda nerutsigirwo rwatiri kuwana kubva kunyika dzakasiyana dziri mudunhu (reAfrica) nedzimwe,” vanodaro.
Vanoti museum iyi ine mukana wekuzove nzvimbo huru ichakwezva vashanyi.
Museum of African Liberation iri kuvakwa pamahekita 103 pedyo neWarren Park, muHarare uye ichange iine zvikamu zvinosanganisira Africa Village, nzvimbo inochengeterwa mhuka dzesango nezvitoro.