Daily Newsletter

Murume wekuzama kubata chibharo aine demo akarikitwa

Sinokubonga Nkala

MURUME ane makore 29 okuberekwa wekuPfupajena, kuChegutu wekuzama kubata chibharo mukadzi ane makore 21 okuzvarwa mushure mekumutyisidzira nedemo ozvidemba sezvo akazotemwa nedemo rake uye ndokurohwa senyoka yapinda mumba achikutsiranwa nemamwe madzimai maviri aivepo izvo zvakazoita kuti asungwe.

Nemusi wa29 Mbudzi nenguva dza1 masikati, mumhan’ari aive neshamwari dzake mbiri vachifamba kubva kukiriniki apo vakasangana nemurume uyu akabata demo.

Musungwa uyu akatyisidzira mumhan’ari nedemo achida kumubata chibharo.

Muchinyorwa chiri padandemutande reX, National Prosecuting Authority of Zimbabwe (NPAZ) inoti:

“Shamwari dzemumhan’ari dzakapindira ndokubva dzadzipa murume uyu ndokumubvutira demo rake uye ndokuzomutema naro. Vakamhan’ara nyaya iyi kumapurisa zvakaita kuti asungwe. Musungwa achadzoka kudare nemusi wa16 Zvita, 2024 achibva muchizarira.”

Related Posts

MAONERO EDU: Kisimusi inoda fare-fare tindike

YASVIKA nguva iya yezororo rakareba rekupera kwegore iro rinenge rakatarisirwa neveruzhinji sezvo vakawanda vachiwana mukana wekumbozorora kuenda kumabasa pamwechete nekuwana mukana wekufara nehama neshamwari. Panguva yakadai, vamwe vanofamba nzendo dzinosanganisira…

Vanoona nyoka mumba mazuva ose

Kingstone Mapupu MHURI yekuGlen View 3, muguta Harare uye kumusha ichibva kwaSabhuku Goredema kwaMarembo, kwaChihota yogara yakabatira hana mumaoko nekuda kwenyoka dzakawanda dziri kuonekwa mazuva ose pasi pemubhedha mumba mavo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

You Missed

Historic milestone for Land Reform! . . . Beneficiaries get title deeds

Historic milestone for Land Reform! . . . Beneficiaries get title deeds

Historic milestone for Land Reform! . . . Stakeholders hail programme as a game-changer

Historic milestone for Land Reform! . . . Stakeholders hail programme as a game-changer

Mutamba appointed Police chief

Mutamba appointed Police chief

Zim strengthens diplomatic ties with Algeria, Palestine, UNICEF

Zim strengthens diplomatic ties with Algeria, Palestine, UNICEF

Russian Ambassador visits Dr Auxillia Mnangagwa Children’s Home

Russian Ambassador visits Dr Auxillia Mnangagwa Children’s Home

SADC to set aside Regional Development Fund

SADC to set aside Regional Development Fund
Translate »