Daily Newsletter

Muporofita opomerwa kutsakatisa mwanakomana (17)

Kingstone Mapupu

MUPOROFITA wechechi yeJohane Masowe weChishanu wekuChitungwiza — anombogara kune imwe imba yake iri kwaDhonoro kuEpworth — ari kupomerwa kutsakatisa mukomana wemakore 17 ekuberekwa uyo waakatora kuvabereki vake achiti aida kuti amushandire pamba pake.

Nyaya iyi inotevera kushaikwa kwaTadiwanashe Zisengwe Mbofana (17) uyo aigara naamai vake kuGreen Valley kwaMaruva kuEpworth mushure mekutorwa nemuporofita uyu achiti aida kuti anomushandira pamba pake kuChitungwiza.

Mutauriri wemapurisa mudunhu reHarare, Inspector Luckmore Chakanza, vanoti vanoda nguva yekuronda mafambiro ari kuita nyaya iyi.

 Amai vaTadiwanashe, Mai Jesca Mabara (42), avo  kumusha vanobva kwaSabhuku Chitsunge kuBuhera, vanoti mwanakomana wavo uyu anove dangwe pavana vavo vaviri aimbonamata nemuporofita uyu kwakare kuEpworth.

“Murume uyu anova muporofita aipinda chechi yeMasowe nemwana wangu kuEpworth apo aimboshandisa mwana wangu kutengesa mazai muguta reHarare. Akazotora mwana wangu achiti aida kuti anoshanda kumba kwake kuChitungwiza uyewo kubva paakatora mwana wangu nemusi wa1 Mbudzi gore rakapera, haana kuzotaura neni,” vanodaro Mai Mabara.

Vanoti vakagumisira kutaura nemwanakomana wavo panhare nemusi wa2 Zvita gore rakapera achitaura kuti aida magumbeze ekufuga achiti kwaaigara akanga asina kupihwa magumbeze.

“Kubva ipapo, handina kuzombokwanisa kutaura nemwana wangu nhare yake yakanga isisaite. Ndakazobvunza baba ava muporofita kuti ko sei mwana wangu akanga asisadavire nhare yake ichigara yakadzimwa, vakanditaurira kuti vakanga vatopedza mwedzi mwana wangu abva kumba kwavo. Madzimai maviri ekumba kwemuporofita uyu vakazonditaurira kuti paiva nenyaya yekuti mwana wangu akanga aba tangi regas nemagumbeze asati abva pamba apa,” vanodaro Mai Mabara.

Vanoti mwana wavo asati ashaikwa, pane muvakidzani wepamba paaishanda akavaridzira nhare achiti akanga apedza mazuva maviri asingapihwe chikafu chekudya nekuda kwechikonzero chisina kubuda pachena uye anonzi aisashanda zvakanaka pamba pemhuri iyi.

“Ndiri mubishi kutsvaga mwana kudai, pane hanzvadzi yangu ari kwaMutare akazondifonera achiti aona mufananidzo waTadiwanashe pane rimwe group reWhatsApp achitaridza kuti akarohwa zvakanyanya akazvimba kumeso achibuda ropa mumhuno uye maziso akazvimba. Panonzi pagroup apa paiva pakaiswa mashoko ekuti ‘Christmas Box’. Vakazonditumira mufananidzo wacho mwana akakuvara zvikuru, kuti tizive kuti akarohwa nani kana kuti ndivo vaaishandira vacho here hatizive,” vanodaro Mai Mabara.

Vanoti pavakazoenda kumuporofita uyu vachibvunza kuti ko mufananidzo wemwana akakuvara iye achishaikwa wakabva kupi, murume uyu akaramba kuti mufananidzo uyu waiva waTadiwanashe.

“Ndichitsvaga mwana wangu kudai, nyaya iyi ndakazoiendesa kumapurisa eZRP kuDomboramwari kuti ndibatsirwe nemutemo kutsvaga mwana wangu.

Muporofita uyu akashevedzwa akapindura mapurisa kuti aisava neruzivo rwekwakaenda mwana uyu. Mapurisa vakanditaurira kuti ndimbomira kwesvondo kuti ndizodzokera zvakare kukamba uku,” vanodaro Mai Mabara.

Kwayedza yakaedza kutaura nemuporofita uyu panhare yake kuti apewo divi rake asi yaisabatika.

Mai Mabara vanoti mwana wavo haanwe doro uyewo munhu ane hunyoro mukurarama kwake.

“Tasvitsa mwedzi miviri tisingazive kune mwana izvo zvave kutonditadzisa kuita basa sezvo ndichiita basa rekutengesa zvinhu zvakasiyana kumusika weMbare. Ishungu dzangu kuti ndiwane paari ari mupenyu kana kuti akafa kuti mwoyo wangu uzorore. Kune vanoda kundibatsira, vanondifonera panhamba dzinoti 0711 318 651,” vanodaro Mai Mai Mabara.

Vanoti kuhama dzose, kusanganisira kwaMutoko nekuBuhera, vakabvunza uye vakaudzwa kuti mwana uyu haana kumbobvira asvikako.

Related Posts

Makororo 2 emotokari asungwa

Kingstone Mapupu MAKORORO maviri — ayo anogara kuEpworth — ange arura kuba motokari munzvimbo dzakasiyana dzenyika akasungwa nematikitivha eCriminal Investigations Department (CID) ekuchikamu chinoona nezvemotokari cheVehicle Theft Squad. Mufaro Mupandira…

Mufudzi wemombe akaitwa kafiramberi nekuda kwenharembozha  

Kingstone Mapupu MUKOMANA aiita basa rekufudza mombe pane mumwe musha kwaSabhuku Kosvoro kudunhu raMambo Masunda, kuZvishavane akarohwa zvekuitwa kafiramberi nemwana wemushandirwi wake achipomerwa kuti aive amubira nharembozha yake. Mutauriri wemapurisa…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

You Missed

OK Zimbabwe dispels insolvency rumors, reassures stakeholders

OK Zimbabwe dispels insolvency rumors, reassures stakeholders

Senior Herald reporter appointed into NAC’s new board

Senior Herald reporter appointed into NAC’s new board

Four ZIMRA officials arrested for corruption

Four ZIMRA officials arrested for corruption

Zimsec A Level results out

Zimsec A Level results out

Makororo 2 emotokari asungwa

Makororo 2 emotokari asungwa

Muporofita opomerwa kutsakatisa mwanakomana (17)

Muporofita opomerwa kutsakatisa mwanakomana (17)
Translate »