Daily Newsletter

MAONERO EDU: Kumarinda inzvimbo inofanirwa kuyereswa

SVONDO rino, tine nyaya inokahadzisa zvakanyanya uye isingagamuchirike nyore inove yemakuva ayo anonzi akafukunurwa uye marangwanda acho ndokuraswa kune imwe nzvimbo yemarinda muguta reHarare.

Mukubuda kwenyaya iyi, zvinonzi muridzi wenzvimbo ine marinda iyi aituma vashandi vake kuti vafunukure zvitunha uye vozozvirasa kunzvimbo dzinosanganisira dhamu riri pedyo.

Mushure mezvo, makuva aya aizogadzurudzwa patsva uye otengeserwa vamwe vanhu avo vaizoviga hama dzavo.

Muridzi wenzvimbo ine marinda aya nevamwe vashandi vake vatatu vakatosungwa vachipomerwa mhosva iyi.

Pakutanga, bepanhau reKwayedza rakaburitsa nyaya iyi apo mumwe murume aimboshandira kambani iyi akabuda pachena achitaura pavhidhiyo mashura aya.

Murume uyu aiti ari kurumwa-rumwa nezvitunha zvaanoti aifukunura achirasa.

Asi pakabuda nyaya iyi, vanhu vazhinji vakamutora semurwere wepfungwa nekuti zvaaitaura hazvisi nyore kuti munhu azvitende kana kuti zvionekwe sechokwadi.

Murume uyu anonzi akatozopotera kumapurisa achiperekedzwa nehama dzake nekuda kwekutambudzwa uko anoti ari kuitwa nezvitunha zvaakafukunura akarasa.

Pachivanhu, zvisinei nechitendero chinotevedzwa nemunhu, nzvimbo dzinovigwa vashakabvu dzinoremekedzwa zvakanyanya.

Ichi ndicho chimwe chezvikonzero zvinoita kuti nguva nenguva vamwe vanhu vaende kumarinda kwavakaviga hama dzavo vachiisa maruva kana kugadzurudza nenzira dzakasiyana kuitira kuti nzvimbo dzakadai dzirambe dzichitaridzika.

Zvino kana pachitariswa munyaya iyi apo zviri kunzi zvitunha zvakafukunurwa zvikaraswa zvinozofamba sei?

Kureva kuti kune vanhu vakawanda vakaita chivanhu chavo pamakuva ari kunzvimbo iyi vasingazive kuti mitumbi yehama dzavo yakafukunurwa kare ikaraswa uye patove neyevatorwa.

Kana icho chivindi chacho chevanhu vaitumwa kufukunura makuva vachirasa mitumbi chinototyisa.

Kuda mari kworudzii kunotuma munhu kuita manenji akadai?

Zvinhu zvakadai unopererwa nemashoko ekuzvitsanangura.

 Tinodaro nekuti aka ndekekutanga munhoroondo yenyika ino zvakadai zvichiitika.

Inga vakuru vanoti wafa wazorora, zvino kuzorora kwacho kuripi kana mweya yevashakabvu ichitambudzwa nenzira dzakadai izvo zvisina mukare akambooona?

Nzvimbo dzinovigwa vashakabvu, kubvira kare, dzinoremekedzwa uye hadzisi dzekuita dambe nadzo.

Nhasi uno zvinotoshamisa zvekare kuona vamwe vanhu vane hunzenza hwakadarikidza, vakadzi nevarume, vachitoenda kunoshinha kumakuva.

Zvakakosha kuti veruzhinji vazive kuti chaunodyara ndicho chaunokohwa.

Related Posts

Batsirai mwana (9) anoda wiricheya akatizwa nababa

Kingstone Mapupu MUDZIMAI anobva mumusha waSabhuku Gavaza kudunhu raMambo Nenguwo kwaChihota, kuMarondera ari kutsvaga rubatsiro rwewiricheya yekuti mwana wake ane makore mapfumbamwe okuberekwa, uyo akaremara mitezo, akwanise kuendesa kuchikoro zvichitevera…

MAONERO EDU: Chirongwa chekusunga vemakombi ngachisimbaradzwe

MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) akatanga chirongwa chekusunga vemakombi vasina kunyoresa zviri pamutemo kuti vaite basa rekutakura vafambi sezvo vakawanda vavo ndivo vari kutyaira zvisina hanya izvo zviri kukonzeresa tsaona…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

You Missed

Live coverage: Zimbabwe bids farewell to three national heroes

Live coverage: Zimbabwe bids farewell to three national heroes

Masvingo gets the kiss of life…Value addition, beneficiation cited

Masvingo gets the kiss of life…Value addition, beneficiation cited

Zanu PF, CCC to share ZiG170 million

Zanu PF, CCC to share ZiG170 million

Triple national heroesโ€™ burial today

Triple national heroesโ€™ burial today

Farmers urged to diversify crops

Farmers urged to diversify crops

Govt commits to timely disbursement of devolution funds

Translate ยป