Daily Newsletter

Mahwekwe nemurume, munin’ina vari musvo

Muchaneta Chimuka

MUDZIMAI ane makore 21 okuberekwa wekuChitungwiza akazvambaradzwa nemurume wake mushure mekunge amubatikidza ari musvo pamwechete nemunin’ina wake muimba yekutandarira munguva dzemambakwedza.

Vimbai Mivirimba (21) akarikitwa nemurume wake, Prince Musariri (30), mushure mekunge amuka achida kunonwa mvura mukicheni ndokumuona pamwechete nemunin’ina wake vasina kusimira vari muimba yekutandarira.

Muchuchisi Passmore Lorenzo akaudza dare kuti nomusi wa20 Zvita gore rapera nenguva dza3:45 am, Vimbai akamuka achida kunonwa mvura muimba yekubikira apo akaita mahwekwe nemurume wake uye munin’ina wake vasina kupfeka vari muimba yekutandarira.

“Ndakavaona vese vasina kusimira ndakabva ndabvunza murume wangu, Prince Musariri, kuti chikonzero nei akanga asina kupfeka ari muimba yekutandarira ndipo paakagumbuka ndokundidhonzera mubhedhuru ndokutanga kundirova nemambama muviri wese. Ndakatozoita rombo rakanaka rekununudzwa nemunin’ina wake,” anodaro.

Prince ari kutongwa nemhosva yemhirizhonga pasi pemutemo weDomestic Violence Act Chapter 05:10.

 Mutongi munyaya iyi ndiKaren Jeffery.

Nyaya iyi ichaenderera mberi nekutongwa munguva pfupi iri kutevera.

Related Posts

Muridzi wepembe Kalota orangarirwa

Abel Ndooka AIMBOVE muridzi wepembe ane mukurumbira – Wonder Kalota – akarangarirwa svondo radarika muMbare pamutambo weWonder Kalota Memorial National Stodart Cup Final uyo wakaona zvikwata zveKuyamurana FC neAvenues FC…

Vasungwa 2 vanyangarika pa’court’

VARUME vaviri vanga vakasungwa pamwechete nengetani, avo vange vachifanirwa kupinda mudare reChitungwiza Magistrates Court, vaverera kubva muchivanze chedare iri uye ndokuzotiza nhasi mangwanani apo mapurisa ange ari mushishi kunyoresa dhoketi.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

You Missed

Acting President visits Mupamhanga family home to offer condolences

Acting President visits Mupamhanga family home to offer condolences

Muridzi wepembe Kalota orangarirwa

Muridzi wepembe Kalota orangarirwa

High Court dismisses Magaya’s ZIFA elections challenge

High Court dismisses Magaya’s ZIFA elections challenge

Magaya’s application dismissed, Zifa elections to proceed

Magaya’s application dismissed, Zifa elections to proceed

Vasungwa 2 vanyangarika pa’court’

Vasungwa 2 vanyangarika pa’court’

Rugby fiesta at Mutare Boys High

Rugby fiesta at Mutare Boys High
Translate »