Daily Newsletter

Kushanda nesimba kwabhadhara: Musona

Abel Ndooka

SOCCER Star of the Year – Walter Musona – anoti kushanda nesimba uye kuzvininipisa ndiko kwakamubatsira kuhwina mubairo mukuru uyu kechipiri gore rino.

Musona, uyo akatungamira chikwata cheSimba Bhora kuhwina mukombe weCastle Premier Soccer League mwaka wenhabvu uchangodarika, ndiye akahwina mubairo weSoccer Star of the Year pamabiko akaitwa svondo radarika muHarare.

Akapedza ari pamberi pevamwe vatambi vanoti Lynoth Chikuhwa weHighlanders naKhama Billiat weYadah Stars.

Muhurukuro neKwayedza, Musona anoti kushanda nesimba kwaakaita mwaka wadarika ndiko kwakamubatsira kuhwina mubairo mukuru uyu kechipiri gore rino.

โ€œMunhu ukashanda nesimba uye wakazvininipisa unowana mubairo mune remangwana,โ€ anodaro Musona.

Anoenderera mberi achiti, โ€œMwaka wadarika, takatamba nhabvu zvainwisa mvura sechikwata uye taive takabatana izvo zvakaona tichihwina mubairo wePSL uye zvakazobatsirawo kuti ndisarudzwe kuve Soccer Star of the year.โ€  Gore rino, Musona akatamba nhabvu inonwisa mvura kuchikwata chake cheSimba Bhora nekuchikwata chemaWarriors izvo vazhinji vave kushuvira kuona achienda kunotambira kunze                                          kwenyika.

Anoti anoshuvira kutambirawo kunze kwenyika, hunge mukana wacho ukauya asi parizvino ari kutarisira kutamba nhabvu yake muno mwaka unotevera.

โ€œMutambi wese wenhabvu shuviro yake kutambira kunze kwenyika uye iniwo ndodawo kuzonotambira kunze kwenyika, hunge mukana ukamuka.

โ€œAsi parizvino hapasati pave nechikwata chamborakidza kuti chinondida saka ndiri kungofunga hangu nezvekutamba muno mwaka unotevera, tichiona kuti panogona kuzoita chikwata chingade kuzoda kunditenga,โ€ anodaro Musona.

Musona akambohwina mubairo weSoccer Star of the Year mugore ra2022 apo aitambira FC Platinum.

Kutora kwaakaita mubairo uyu zvekare gore rino, kwabva kwamuona achiita nhorondo yekuve mumwe wevatambi vashoma vahwina mubairo uyu vachitambira zvikwata zvakasiyana.

Related Posts

Batsirai mwana (9) anoda wiricheya akatizwa nababa

Kingstone Mapupu MUDZIMAI anobva mumusha waSabhuku Gavaza kudunhu raMambo Nenguwo kwaChihota, kuMarondera ari kutsvaga rubatsiro rwewiricheya yekuti mwana wake ane makore mapfumbamwe okuberekwa, uyo akaremara mitezo, akwanise kuendesa kuchikoro zvichitevera…

MAONERO EDU: Chirongwa chekusunga vemakombi ngachisimbaradzwe

MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) akatanga chirongwa chekusunga vemakombi vasina kunyoresa zviri pamutemo kuti vaite basa rekutakura vafambi sezvo vakawanda vavo ndivo vari kutyaira zvisina hanya izvo zviri kukonzeresa tsaona…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

You Missed

Masvingo gets the kiss of life…Value addition, beneficiation cited

Masvingo gets the kiss of life…Value addition, beneficiation cited

Zanu PF, CCC to share ZiG170 million

Zanu PF, CCC to share ZiG170 million

Triple national heroesโ€™ burial today

Triple national heroesโ€™ burial today

Farmers urged to diversify crops

Farmers urged to diversify crops

Govt commits to timely disbursement of devolution funds

Old rockers never die

Translate ยป