Daily Newsletter

Jongwe oshuvira kukwikwidza kuBoston Marathon

Abel Ndooka

SHANGWITI yemujaho wewiricheya – Stellah Jongwe – anoti anoshuvira kunokwikwidza kuBoston Marathon gore rinotevera kunyika yeUnited States of America.

Boston Marathon imwe yemijaho mikuru inoitwa pasi rose uyo unoona shangwiti dzinobva kunyika dzakasiyana dzichikwikwidza.

Jongwe, uyo ari kusimukira zvikuru mumujaho wemarathon wewiricheya, anoti anoshuvirawo kuenda kunokwikwidza kumujaho uyu uye ozombogara kuAmerica achiita zvidzidzo zvake zvakasiyana zvechikoro.

โ€œGore rinotevera, shuviro yangu kuendawo kunokwikwidza kumujaho mukuru pasi rino weBoston Marathon uyo unoitirwa kunyika yeUnited States of America.

โ€œMujaho uyu unokwikwidzwa neshasha dzakawanda dzinobva kunyika dzakasiyana naizvozvo ndinoda kukwikwidzawo.

โ€œIni ndinoda kuenda kunosimudza mureza wenyika yangu ndichinohwinawo kumujaho uyu,โ€ anodaro Jongwe.

Kana akabudirira kuenda kumujaho uyu, Jongwe anoti anoda kubva agara kunyika yeAmerica kuti amboenda kuchikoro achiita zvidzidzo zvakasiyana

โ€œIni ndichiri kuda kuenderera mberi zvekare nechikoro

saka ndikaenda kuAmerica kuBoston Marathon, ndinoda kubva ndanotora mukana wekuenderera mberi nezvidzidzo zvangu zvakasiyana zvechikoro,โ€ anodaro.

Anoti iye nechikwata chake vari kutsvaga rubatsiro rwekuti aende kuUSA.

โ€œGadziro dzekuenda kumujaho uyu ndiri kudziita asi chandiri kutsvaga kunyanya iye zvino vakotsveri vanokwanisa kundibatsira kuti rwendo rwangu rubudirire,โ€ anodaro Jongwe.

Jongwe kubva zvaakatanga kukwikwidza mumujaho wemarathon, akwanisa kuhwina mibairo yakawanda inosanganisira Tanganda Half Marathon, Econet Victoria Falls Marathon neSunshine City Marathon.

Related Posts

Batsirai mwana (9) anoda wiricheya akatizwa nababa

Kingstone Mapupu MUDZIMAI anobva mumusha waSabhuku Gavaza kudunhu raMambo Nenguwo kwaChihota, kuMarondera ari kutsvaga rubatsiro rwewiricheya yekuti mwana wake ane makore mapfumbamwe okuberekwa, uyo akaremara mitezo, akwanise kuendesa kuchikoro zvichitevera…

MAONERO EDU: Chirongwa chekusunga vemakombi ngachisimbaradzwe

MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) akatanga chirongwa chekusunga vemakombi vasina kunyoresa zviri pamutemo kuti vaite basa rekutakura vafambi sezvo vakawanda vavo ndivo vari kutyaira zvisina hanya izvo zviri kukonzeresa tsaona…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

You Missed

Woman robbed, stabbed

Woman robbed, stabbed

Are these boys into juju or drugs?

Are these boys into juju or drugs?

Smitten at first sight

Smitten at first sight

Family brawls over traditional cloths

Family brawls over traditional cloths

Soak, renew for self-care: The benefits of bath salts

Soak, renew for self-care: The benefits of bath salts

Nugget nirvana: Crispy, juicy, irresistible

Nugget nirvana: Crispy, juicy, irresistible
Translate ยป