Daily Newsletter

Hurumende yakazvipira kupa Devolution Funds nenguva

Sukulwenkosi Dube-Matutu

HURUMENDE yakasimbisa chisungo chayo chekupa mari yehomwe yeDevolution Funds yekusimudzira budiriro yematunhu nenguva uye nekuona kuti yashandiswa nemazvo.

Izvi zvakataurwa naPresidential Affairs and Devolution Permanent Secretary Engineer Tafadzwa Muguti nemusi weChipiri chino pavakashanyira kuGwanda vachiona mafambiro ari kuita mamwe mabasa ebudiriro ari kuitwa neSecond Republic inotungamirwa naPresident Mnangagwa.

Pachikoro chePhakama Primary School, Eng Muguti vakarumbidza kanzuru yeGwanda nekushandisa zvakanaka mari yeDevolution Funds inosvika US$51 000 mukuvaka chikoro ichi.

Parizvino, chikoro ichi chine kirasi imwechete yevadzidzi veECD B uye pane hurongwa hwekuwedzera rimwe bhuroko rekudzidzira.

Eng Muguti vakarumbidza kanzuru yeGwanda nekugadzirisa dambudziko rekufamba nzendo ndefu raive rakatarisana nevadzidzi vachienda nekudzoka kuchikoro.

Vakakurudzira kanzuru iyi kuti ikoshese kuvaka mamwe makirasi nemari yehomwe iyi mune remangwana.

โ€œMunokwanisawo here kushandisa mari yeERRP (Emergency Road Rehabilitation Programme) kugadzira mugwagwa uchabatana nechikoro ichi sezvo nzvimbo iyi isina migwagwa yakanaka.

โ€œNdakanzwa zvakare kuti munzvimbo iyi panodiwa zambuko rekuti vana vakwanise kuyambuka vachienda kuchikoro. Ndinoda kukurudzira kanzuru kuti ishandise imwe mari yeERRP ichazopihwa mukuvaka zambuko iri,โ€ vanodaro.

Eng Muguti vakasimbisisa kuti makanzuru anofanirwa kutsvaga nzira dzekuvandudza mabhindauko akasiyana-siyana aanoita senzira yekuti kushandiswa kwemari yeDevolution Funds kuve nepundutso.

Vanotiwo zvakakosha kuti vemakanzuru vatore mabasa avo sebhizimusi kwete kungomirira mari inobva kuHurumende.

Veruzhinji vakayambirwawo kuti mari yehomwe iyi inotorwa kubva kumitero inobhadharwa nevashandi nekudaro zvakakosha kucherechedza hutongi hwejekerere mukuunganidza mari.

Meya weGwanda, Alderman Thulani Moyo, vanoti chikoro chePhakama Primary chichabatsira mukuderedza dambudziko rekuwandisa kwevana muzvikoro zvagara zviripo, zvikuru sezvo parizvino Jahunda Primary School inotora vadzidzi vanodarika 2 000.

Vanoti dhorobha ravo riri kukura nechimbi-chimbi uye mari yeDevolution Funds iri kubatsira zvakanyanya mukusimudzira chikamu chezvedzidzo.

Related Posts

Muridzi wepembe Kalota orangarirwa

Abel Ndooka AIMBOVE muridzi wepembe ane mukurumbira โ€“ Wonder Kalota โ€“ akarangarirwa svondo radarika muMbare pamutambo weWonder Kalota Memorial National Stodart Cup Final uyo wakaona zvikwata zveKuyamurana FC neAvenues FC…

Vasungwa 2 vanyangarika pa’court’

VARUME vaviri vanga vakasungwa pamwechete nengetani, avo vange vachifanirwa kupinda mudare reChitungwiza Magistrates Court, vaverera kubva muchivanze chedare iri uye ndokuzotiza nhasi mangwanani apo mapurisa ange ari mushishi kunyoresa dhoketi.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

You Missed

Muridzi wepembe Kalota orangarirwa

Muridzi wepembe Kalota orangarirwa

High Court dismisses Magayaโ€™s ZIFA elections challenge

High Court dismisses Magayaโ€™s ZIFA elections challenge

Magaya’s application dismissed, Zifa elections to proceed

Magaya’s application dismissed, Zifa elections to proceed

Vasungwa 2 vanyangarika pa’court’

Vasungwa 2 vanyangarika pa’court’

Rugby fiesta at Mutare Boys High

Rugby fiesta at Mutare Boys High

Magaya High Court case ruling this afternoon

Magaya High Court case ruling this afternoon
Translate ยป