Muchaneta Chimuka
HARAHWA ine makore 71 ekuberekwa yakadirwa doro kumeso uye ndokuzorohwa nevazukuru vayo vaviri mushure mekunge yaronga zvekurova makuva izvo zvaive zvisingadiwe nevamwe vemhuri.
Sekuru Bomb Gowdwin Mafuriranwa vemubhuku raMajaya kwaSeke vakarohwa nevasungwa vaviri vanoti Elvis Majaya (53) naAdwell Majaya, uyo asati abatwa, zvakaita kuti vakuvare zvakanyanya uye matsamba ekwachiremba akavarapa akabudiswa mudare seumboo.
Mutongi wedare reChitungwiza Magistrate’s Courts, Sharon Mashavira, vakapa Elvis chirango chekubhadhara faindi yeUS$100 uye kukundikana kwake kubvisa mari iyi achagara mujeri kwemwedzi mitatu.
Muchuchisi Tendai Ruwocha vakaudza dare kuti nomusi wa7 Zvita nenguva dza2 masikati, vaviri ava vaive pamusha pavo mubhuku raMajaya apo vakaenda kunobvunza Sekuru Mafuriranwa kuti sei vaida kuita chivanhu chekurova makuva.
“Ndakavapindura kuti ndakanga ndapihwa mvumo naShe Seke kuti ndiite chivanhu ichi asi vakaramba vachiti vainge vasingadi kuti ndiite izvi, vachibva vatanga kundidira doro kumeso, kundibhutsura pamabvi pamwe nekundirovera pamudhuri. Vakatozomira kundirova mushure mekurandudzirwa nevamwe vemumhuri. Ndakarwadziwa zvikuru mumbabvu nemabvi ndikaenda kuchipatara kunorapwa,” vanodaro.
Elvis akabvuma kuti akarova mumhan’ari uyu pasina kukakama.
Akatongwa nemhosva yekurova pasi pemutemo weAssault as Defined in Section 89(1) of the Criminal Codification and Reform Act (Chapter 9:23).