Abel Ndooka
MURAIRIDZI weDynamos FC – Lloyd ‘Mablanyo’ Chigowe – anoti gadziriro dzechikwata chake dzemwaka mutsva wa2025 dzichatanga nemusi wa7 Ndira uye gore rino vanoda kutamba nhabvu yepamusoro-soro.
Mwaka wadarika, DeMbare yakapedza iri pechisere palogo reCastle Lager Premier Soccer League.
Chikwata ichi chakakwanisa kuhwina mukombe weChibuku Super Cup izvo zvakaona chichibudirira kudzokera kuCAF Confederations Cup 2025.
Mwaka uno, pane zvakawanda zvichange zvichitarisirwa kubva kuchikwata chaMablanyo.
DeMbare ichange ichitarisirwa kurwira mukombe wePSL, Chibuku Super Cup nekutamba muCAF Confederations Cup.
Achitaura neKwayedza, Mablanyo anoti vari kukurumidza kutanga gadziriro dzavo nekuti vanoda kuumba chikwata chakasimba icho chichazokwikwidza mumitambo mitatu iyi.
“Gore rino iguru kwatiri nekuti tichange tichikwikwidza mumitambo mitatu mikuru saka tinofanira kunge takagadzirira zvakasimba.
“Gadziriro dzedu dza2025 dziri kutanga musi wa7 Ndira apo tichaongorora vatambi vatinavo vatakakwanisa kuchengetedza kubva mwaka wadarika uye tozotanga kutsvaga kuti ndevapi vatingatore vanouya kuzosimbisa chikwata chedu.
“Chatiri kuda kunge tine chikwata chakasimba chinokwikwidza mumitambo yese uye chinosvika kure mumutambo weCAF Confederations Cup,” anodaro.
Mwaka wenhabvu wa2025 pauchatanga, Mablanyo ndiye anenge ari panyanga kuchikwata cheDynamos.
Mwaka wadarika, akazouya kuDeMbare pakati pemwaka achitsiva Genesis ‘Kaka’ Mangombe uyo ainge asiya basa achienda kuScottland FC.
Mablanyo anoti pavatambi vavachatsvaga, vachange vachitarisa kuti vane “ropa” reDynamos here. Kureva kuti vanofanirwa kunge vakarerwa mumhuri yeDeMbare uye vozotarisa zvimwe zvakawanda zvinotevera.
“Isu pakutsvaga vatambi vedu tinoda kutanga kuona kuti vabva mumhuri yeDynamos here uye ropa ravo ndereDeMbare here?
“Tinoda chaizvo kupa mikana kuvatambi vatakarera isu tabika kubva kuzvikwata zvedu zvevechidiki. Kana tapa vedu mikana, tozochitarisawo vamwe vaviri kana vatatu vanobva kune zvimwe zvikwata avo tinotora kuti vazobatsira kusimbisa chikwata chedu,” anodaro Mablanyo.