Gibson Mhaka
TINOWANZONZWA pamusoro pezvevamwe vanhu vanopoya miganhu yenyika vachienda kunze kunotsvaga zvekurarama nazvo, asi Givers Ncube (26) wemubhuku raSilombe kunzvimbo yeIngwizi kuMphoengs, kudunhu reMatabeleland South, akaita zvine musiyano sezvo akanoba imbwa mbiri kuBotswana ndokuuya nadzo muZimbabwe.
Mushure mekuyambuka muganhu wenyika zvisiri pamutemo kubva kuZimbabwe kuenda kuBotswana, Ncube haana kunge aine chinangwa chekunotsvaga mari kana chikafu.
Ncube, uyo akamboyemura imbwa mbiri dzemhando yeRhodesian Ridgebacks dzinokosha P17 000 dzeaimbove mushandirwi wake kuBotswana, akadzokera ndokudziba uye ndokudzokera kuZimbabwe.
Mhando yeRhodesian Ridgeback ndeyeimbwa huru idzo dzinonzi dzakatanga kuchengetwa mudunhu reSouthern Africa. Dzinozivikanwa zvekare are se“Lions Dogs kana kuti African Lion Hounds” nekuda kwehunyanzvi hwekuvhima uye mutsauko wemvere dziri kumusana kwadzo.
MunaKubvumbi 2024, Ncube akayambuka muganhu wenyika zvisiri pamutemo achienda kuBotswana.
Ari kuFrancistown, kuBotswana, akashandira mumhan’ari, VaNthantsi Moretsi, basa repamba uye ndokuzorega.
Ncube, uyo akange ave nenguva achiyemura imbwa dzemushandirwi wake, akazoruka zano rekuti adzibe musi wa6 Nyamavhuvhu.
Manheru emusi uyu, akabva azoba imbwa mbiri idzi achibva adzokera kuZimbabwe.
Musi wa22 Nyamavhuvhu 2024, mumhan’ari akamhan’ara nyaya iyi kukamba yeZRP Mphoengs.
Kufeewa kwakaitwa nemapurisa eBotswana Police Service, kwakazoita kuti imbwa mbiri idzi dziwanikwe kumba kwake muZimbabwe zvakaita kuti Ncube asungwe.
Akamiswa mudare rePlumtree Magistrate Court pamberi pemutongi VaJoshua Nembaware akatarisana nemhosva nhatu — mbiri dzekuba neyekupinda nekubuda munyika zvisiri pamutemo sezvinotsanangurwa muchikamu cheSection 24(1), chichiverengwa pamwechete neSection 36 (3) yemutemo weImmigration Act Chapter 4:02.
Akabvuma mhosva dzose dziri nhatu. Panyaya yekuba, akatongerwa kugara mujeri kwemwedzi 12. Mwedzi mitanhatu yemutongo uyu yakasendekwa parutivi paine chitsidzo chekuti haapare imwe mhosva ine chekuita nekusavimbika mukati menguva iyoyo uye kana abatwa nemhosva, anotongerwa kugara mujeri pasina mukana wekubhadhara faindi.
Mwedzi mitanhatu yaive yasara yakasendekwa parutivi nechitsidzo chekuti anofondoka pasina muripo kwemaawa 210 paIngwizi Clinic. Pamhosva mbiri dzaive dzasara dzekupinda nekubuda munyika zvisiri pamnutemo, dzakatorwa seimwe nechinangwa chekupa mutongo.
Akatongerwa kubhadhara faindi ye$200 uye kukundikana kwake achagara mujeri kwemwedzi mumwechete. Pamusoro pezvo, mwedzi mumwechete pamutongo uyu wakasendekwa parutivi nechitsidzo chekuti haafanire kupara mhosva yakadai kwemakore mashanu anotevera.