MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) akatanga chirongwa chekusunga vemakombi vasina kunyoresa zviri pamutemo kuti vaite basa rekutakura vafambi sezvo vakawanda vavo ndivo vari kutyaira zvisina hanya izvo zviri kukonzeresa tsaona dzemumigwagwa muHarare.
Pasi pechirongwa ichi, mapurisa ane chinangwa chekusunga makombi anodarika 13 500 ayo asina kunyoresa zviri pamutemo.
Mapurisa anoti pane makombi anosvika 16 500 ari kuita basa rekutakura vafambi muguta reHarare asi pahuwandu uhu, 2 950 chete ndiwo akanyoreswa zviri pamutemo.
Kureva kuti mamwe makombi anodarika 13 500 ari kuita madiro aJojina uye aya ndiwo ane vatyairi vasingatevedzere mitemo yemumigwagwa.
Vatyari ava vanosanganisira vasina marezinesi ekutyaira, vanotakurira nekuburitsira vafambi panzvimbo dzisina kukodzera nevanofamba nekumativi kwemigwagwa uye nekumativi kusiri kwavo izvo zviri kukonzersa tsaona nekutsikwa kwevanhu vanofamba netsoka.
Kunyangwe mahwindi anoshanda nemakombi asina kunyoreswa zviri pamutemo aya havana hunhu zvachose sezvo vachigara vachishungurudza vafambi nenzira dzakasiyana-siyana. Zvakakoshawo kuti muitwa kwechirongwa ichi, mapurisa akaita musangano nevemasangano anomirira vemakombi uye donzvo guru riri rekudzikamisa mamiriro ezvinhu pamigwagwa.
Mutemo unofanirwa kutevedzwa nemazvo kwete kuti vatyairi vemakombi nevamwe vemushikashika vanoita zvavanoda pamigwagwa vachikonzeresa tsaona nekurasika kwehupenyu hwevanhu nenzira dzisina tsarukano.
Kuti makombi ashande zviri pamutemo, anofanirwa kunyoreswa opihwa rezinesi, anoda zvekare kuve nenhamba pureti inotaridza kuti ane bvumo yekutakura vanhu uye panodiwawo third plate, mutero weZINARA, inishuwarenzi yemotokari neyevafambi. Pamusoro pezvo, makombi anotarisirwa kuve ane gwaro rinotaridza kuti akakodzera kuve pamugwagwa, gwaro rebvumo yekushanda kubva kukanzuru yeHarare, disc rekanzuru zvekare rekumira parengi, RMT route authority pamwechete neTax Clearance Certificate.
Hongu, zvinodiwa izvi zvinogona kuita sezvakawanda asi zviripo pakuchengetedza hupenyu hwevafambi. Zviri pachena kuti kana kombi yakanyoreswa zviri pamutemo mutyairi wayo anotevedza mitemo pamugwagwa nekuti zviri nyore zvekare kuti arondwe kana akatyora mitemo iyi.
Semaonero edu, mapurisa anofanirwa kuenderera mberi nechirongwa ichi uye ochisimbaradza kusvikira mamiriro ezvinhu adzikama muguta reHarare. Vemakombi vakaregererwa vachiita zvavanoda kwenguva yakareba uye vave kutozviona kunge ivo ndivo vanotove mutemo wacho.
Imwe nyaya inoda kugadziriswa huwori hunoitwa nemamwe mapurisa ayo anopihwa chiokomuhomwe nevemakombi asina kunyoreswa zviri pamutemo kana kuti nevanenge vatyora mutemo pamugwagwa kuti varegedzwe uye varambe vachiita zvavanoda.
Mapurisa akadai haakodzere kunge ari pabasa nekuti anosvibisa zita rakanaka remapurisa ose.