Chipo Mukorama
MURUME wemuHarare, uyo akapa pamuviri mudzimai wemuvakidzani wake, ari kupomerwa kuteverera nekutyisidzira murume wemukadzi uyu.
Leon Kamupona akazvuzvurudzirwa kudare reHarare Civil Court naKudzanai Mutemwa anova murume weshamwarikadzi yake.
Ari kupomerwa zvekare kutsvaga mamonya ekuti arove Mutemwa.
Mutemwa akaudza dare kuti Kamupona anodanana nemudzimai wake uye paakamubvunza nezvenyaya iyi akatanga kuita zvemhirizhonga.
“Ari kudanana nemudzimai wangu kwenguva yakareba.
“Pandakamubvunza nezvenyaya iyi, akabva atanga kuita mhirizhonga.
“Akatsvaga zvemakare mamonya ekuti andirove zvakaita kuti ndiendese nyaya iyi kudare ramambo, zvisinei, anoramba achingondirwisa,” anodaro Mutemwa.
Kamupona akaramba nyaya yaaipomerwa iyi.
“Mushure mekunge nyaya yedu yagadziriswa kwamambo, ari kunditumira mashoko panhare achiti anoda kuti ndimubhadhare US$150 yekubvisa kwakaita mudzimai wake pamuviri.
“Akati ndinofanira kubhadhara mari iyi mukati memazuva mashanu uye kana ndikakundikana kuita sekudaro, anondirwisa,” anodaro.
Mutema akaramba kuti anoda kuti Kamupopa amubhadhare nemari.
Mutongi Meenal Naratom vakapa Mutemwa gwaro redziviriro.
“Handidi kunyangwe mhando ipi yemhirizhonga kana kutyisidzira munyaya iyi,” vanodaro.
“Mativi ose anofanirwa kuremekedza mutemo uye kugadzirisa kusanzwanana murunyararo.”