Daily Newsletter

MAONERO EDU: Remangwana rirongere

Gore ra2024 rakasvika kumagumo uye pane zvakawanda zvakaitika mariri, zvinofadza pamwe nezvinosuwisa.

 Veruzhinji vaive nezvishuwo zvakasiyana-siyana mugore richangopera iri.

 Zvimwe zvezvishuviro izvi zvakazadzikiswa uye zvimwe zvacho hazvina.

 Kune vane zvavaida kuita uye zvikafamba semarongero avo, tinoti makorokoto.

 Nerimwe divi, kune avo vane zvishuwo zvisina kuzadzikiswa, mukana uripo zvakare gore rino.

 Chakakosha kuziva chakatadzisa kuti zvinhu zvifambe setarisiro yaivepo pakutanga uye pogadziriswa kuitira kuti zvigoendeka.

 Kureva kuti remangwana rinoda kurongerwa sezvo nguva isingamiriri munhu.

 Gore richitanga kudai, ndipo panodiwa hurongwa hwakajeka apo munhu nemunhu anotora nguva yekurongera remangwana rake.

 Kune vamwe vanoda kutanga mabhindauko akasiyana-siyana, kuita kosi kana kuenderera mberi nedzidzo.

 Kunze kwazvo, kune vane hurongwa hwekuvaka dzimba, kuroora kana kuroorwa.

 Kune vamwewo vanogona kuve nehurongwa hwekusiya kunwa doro chaiko kana zvimwewo uye sarudzo ndeyako sedungamunhu.

 Zvose izvi munongedzo wekuti remangwana rinofanirwa kurongerwa.

 Zvakakoshawo kuti munhu ashandise mukana waanenge awana muhupenyu kusimudzira raramo yake pamwechete neyemhuri.

Vakuru vanoti chawawana batisisisa nekuti midzimu haipe kaviri.

 Nhasi uno kune vanhu vakawanda vari kudemba mikana yavakatambisa yekusimudzira hupenyu hwavo nenzira dzakasiyana.

 Vakadai ava vanosanganisira vakange vawana mukana wekutenga sitendi yeimba kana kuvaka dzimba asi vakapedzera mari yose kumafaro vachifunga kuti vachawana imwe.

 Kazhinji, muhupenyu Mwari anopa munhu mumwe nemumwe mukana wekuti kana akaubatisisa anosimukira muhupenyu hwake.

 Asika, Mwari havaridze bhero kana vapa munhu mukana nekudaro iwe sadungamunhu ndiwe unofanirwa kuve nemeso pamwe nemweya wekunzvera kuti wapihwa mukana wekuzvisimudzira muhupenyu uye woushandisa zvizere kuitira kuti usazodemba mune remangwana.

 Nhasi uno kune vamwe vari kupumha huroyi, dzingave hama dzavo kana vatorwa, vachiti ndivo vakavapa jambwa rekuti vasabudirire muhupenyu, asi iri nzira yekuda kuhwanda nemumwe chete sezvo vachiziva havo kuti vakatambisa mikana yavakawana.

 Zvakakosha kuti munhu arongeke muhupenyu,  kubvira kumwana wechikoro, baba naamai.

 Gore richitanga kudai, munhu rangarira pawakawa muna2024  kana kuti zvakakutadzisa kusimukira  muhupenyu hwako uye worongera remangwana rako.

 Shiri yakangwara inovaka dendere yayo nguva ichiripo uye mvura yembambara inoda kutizwa ichiri kure.

Related Posts

Mufudzi wemombe akaitwa kafiramberi nekuda kwenharembozha  

Kingstone Mapupu MUKOMANA aiita basa rekufudza mombe pane mumwe musha kwaSabhuku Kosvoro kudunhu raMambo Masunda, kuZvishavane akarohwa zvekuitwa kafiramberi nemwana wemushandirwi wake achipomerwa kuti aive amubira nharembozha yake. Mutauriri wemapurisa…

Apondera mudzimai mapiritsi ekuronga mhuri

Munyori weKwayedza MURUME ane makore 29 okuberekwa akamiswa mudare reChipinge Magistrates Court achipomerwa mhosva yekuponda mudzimai wake nekuda kwekuti ainwa mapiritsi ekuronga mhuri pasina mvumo yake. Felix Maphosa wekuChipinge anonzi…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

You Missed

Fly Zim flag high: President…Sends off scholarship beneficiaries to Algeria

Fly Zim flag high: President…Sends off scholarship beneficiaries to Algeria

Second Republic completes 8 000 projects

Second Republic completes 8 000 projects

New water treatment plant, smart meters for Harare

New water treatment plant, smart meters for Harare

Mining royalties remittance penalties set

Growing calls for President to extend term

Growing calls for President to extend term

UAE envoy urges Zim to leverage on economic ties

UAE envoy urges Zim to leverage on economic ties
Translate »